Loading...
You are here:  Home  >  Novels
Latest

Secret Agent

By   /  September 6, 2016  /  Novels  /  No Comments

secret agent

  Secret Agent Story By Cyclops Chapter 1 —————————————- Ndakatarisa nepahwindo remota yangu ndikaona varume vatatu vainge vabuda muToyota nhema vachifamba vakananga kunopinda mumba.Handina kuda kuramba ndakangoisa ziso rangu pavarume ava asi ndakabva ndatarisa pa view mirror ndikaona imwe mota zvekare yaibva kumashure Ichimhanya chaizvo ndokusvikopakwa paruti nepandainge ndakapaka mota yangu asi nechepamberi mbichana. Ndakamboita […]

Read More →
Latest

Dabula Up

By   /  September 3, 2016  /  Novels  /  No Comments

du

  DABULA-UP (Part 1) Refueled Kufa kana kurarama nzira yeJoza(Kusina mai hakuendwe) Stories by R.R.T(0837746446) Yaiva bararamhanya nemheremhere vanhu kudonha vachisimuka vari zvavhiriri kukwenya pasi,kuti utarise pauri kutsika waiona chii iko kunze kwaive kwakakwidibirwa nesvisvi rerima.Kwange kuri kumhanyiramo zvaitonetsa kuti unyatsoziva kwaienda vanhu nekwavaibva yaingove chochocho mativi ese sekunge imombe dzavhundutswa dziri pakati pemasango ekumafuro.Ndaimhanya […]

Read More →
Latest

Hupenyu Hwangu

By   /  August 23, 2016  /  Novels  /  No Comments

hupenyu hwangu

Hupenyu Hwangu Story by ‪#‎tag0777‬ 900 019 Chapter1 Amai vangu pavakashaya ndainge ndiri form 1 ,ndivo vaindi bhadharira mari yechikoro sezvo baba vaingoteedza mashabhini vachinwa doro .Shabhini ndiwo waive musha waBaba vangu uye doro ririsahwira wavo .Taitoita maricho pese paivharwa zvikiro kuti tiwane zvekupfeka nemabhuku ini naAmai vangu .Chokwadi nherera inoguta musi unofa amai vayo […]

Read More →
Latest

Most Wanted: Lost Bag

By   /  August 19, 2016  /  Novels  /  No Comments

Most wanted

  Story by Cyclops. (0717823197) Chapter 1 [ lost beg] Magetsi takavharirwa nenyaya yekusabhadhara iyoyi.Ini semwana wechikoro zvakandivhiringidza zvakanyanya nekuti ndainge ndakatarisana ndebvunzo dzangu dze O‘level saka pakuverenga ndainge ndotoshandisa kenduru kuti ndiwane chiedza.Mumwe musi ndakamuka nguva dzangu dzemazuva ese na1 dzepakati pehusiku kuti ndiverenge.Nguva idzi ndainyanya kudzifarira nekuti kunze kunenge kwati zi-i pasina kana […]

Read More →
Latest

Mwana Wangu Kani

By   /  August 19, 2016  /  Novels  /  No Comments

Mwana wangu kani

  MWANA WANGU KANI! (1A) Kwaidziya. Musi uyu kwaidziya. Vakaonekwa vachifamba vakadzi ava sezvavaisiita mazuva ose. Kuwirirana kwavo kwaive kwazonyanya, zvekuti vazhinji vaitozvishaira mupanda. Vese vari vaviri kudaro vaive nepamuviri, pamuviri patokura chaizvo zvekuti zvinana nepukini nana tauro zvanga zvanzwa nekutengwa. Vakadzi vaviri ava, vaiti vakataura, voseka, vorovana maoko, vachifamba havo zvinyoro-nyoro, sevanhu vaive vakatakura […]

Read More →
Latest

My Soulmate

By   /  August 17, 2016  /  Novels  /  No Comments

1

  CHAPTER1 STORY BY EMPRESS CEE 0774059234 Five years down the line ,ndakanga ndavekuziva taste dzose dzemumarriage ,yes l can say taste dzose koz kunyange zvangu ndakanga ndakugara ndichitambura mumba mangu pamusaka pehunhu hwemurume wangu ,hazvireve kuti takange tangoroorana zvakadaro ,takatombotangao tichiwirirana till dzimwe nyika dzazopindirao .Zita rangu ndinonzi amai Junior asi rekuzvarwa ndichinzi Precious. […]

Read More →
Latest

WHERE IS NATASHA

By   /  August 4, 2016  /  Novels  /  2 Comments

images

WHERE IS NATASHA story by Shadreck Elias (0773945161) Part 1. Ndakati ndichibva kuchimbuzi kutarisa pandaive ndasiya Natasha wanike hapana .ndakatanga kufamba zvangu ndichiyenda kwairidzwa mimhanzi na Tocky vibes pedyo nestage zvangu sezvo viceroy yandainge ndamborova yakanga yava kunditora ,mumoyo mangu ndakafunga kuti ndichawana Natasha ari muchaunga chevanhu vairova maclarcks asi hazvina kuitika saizvozvo. ndakayedza kufona […]

Read More →
Latest

NYADZI DZINOKUNDA RUFU

By   /  August 4, 2016  /  Novels  /  No Comments

two-black-women-talking

NYADZI DZINOKUNDA RUFU Story by Nyasha Zimunya..remanyemwe Cyclops (0717823197) ”Nyasha! Nyasha! Chimuka ugadzirire kuenda kuchikoro, tumwe tukomana kwezera rako twasomuka kare iwe unorara kunge dahwa sei?” vakadaro Amai vangu vaChihera nenzwi riripamusoro. Ini ndakazomuka hangu asi ndakanga ndichirikuda zvekurara. Ndakatora chikadabura changu ndikapfeka ndokusimuka ndakananga kunogeza.ndakaita chopu chopu semunhu anga ati nonokei ndokupfeka hembe dzangu […]

Read More →
Latest

THE SLAVE

By   /  August 3, 2016  /  Novels  /  No Comments

no

THE SLAVE Part 1 Story by Cyclops (0717823197) Husiku ihwohwo ndainge ndakatsikitsira musoro ndiripachikona.Ndakabva ndati nechemumoyo “Mwari ndirikutya kuti panoshaya anondida, ndirikutya kurambwa nevanhu vese ava.Mumwe mukomana aisadiwa nevanhu akarohwa chaizvo ndokutadza kufamba kwegore rese.Saka Mwari bvisai kutya mandiri.” Ndakagara ipapo kwechinguva ndakamirira kunzwa number yangu painodaidzirwa. “Next, number 30” ipapo ndakatarisa chi card chandainge […]

Read More →
Latest

KANA TSVORI YARIRA

By   /  August 3, 2016  /  Novels  /  No Comments

New York Skyline

KANA TSVORI YARIRA Chapter 1 Story by Cyclops Musi uyu hope hadzina kuuya .Ndakati dhu-u kufunga mashoko akataurwa nemuporofita Nyamuponda ndikabva ndanzwa kudedera.Ndakatarisa mukadzi wangu ainge akadzifodora hope ndichinatsa kuteerera sound yengonono dzake.Ndakambodawo kuzvimanikidza kurara asi zvakaramba.Rimwe inzwi remukati rikanditi “Zvemaporofita ndezvekunyeba iwe ungapesaniswa nemudzimai wako ipo pasina kana nyaya.” Ipapo ndakamutarisa zvekare mupfungwa mune […]

Read More →
  • February 2018
    M T W T F S S
    « Sep    
     1234
    567891011
    12131415161718
    19202122232425
    262728  
Copy Protected by Chetan's WP-Copyprotect.