Loading...
You are here:  Home  >  Novels  >  Current Article

My Soulmate

By   /  August 17, 2016  /  No Comments

 

 

CHAPTER1

STORY BY EMPRESS CEE 0774059234 Five years down the line ,ndakanga ndavekuziva taste dzose dzemumarriage ,yes l can say taste dzose koz kunyange zvangu ndakanga ndakugara ndichitambura mumba mangu pamusaka pehunhu hwemurume wangu ,hazvireve kuti takange tangoroorana zvakadaro ,takatombotangao tichiwirirana till dzimwe nyika dzazopindirao .Zita rangu ndinonzi amai Junior asi rekuzvarwa ndichinzi Precious. I am 28years old .Ndakaroorwa at the age of 23 .Marriage yedu yaifaya nemurume wangu mafirst days kunyange zvazvo dzangova ndangariro ,yes indangariroka chete asi matakadya kare haanyaradze mwana . Handina kunonoka kubata pamuviri same year iroro randainge ndaroorwa .Hama dzemurume wangu dzose dzaitisupporta chose in everything ,vachitibatsirao financially because ini ndainge ndisingashande and murume wangu aiva mudzidzisi pane chimwe chikoro kuNyanga .Ini zvangu ndakanga ndisina kana kutombosvika form 1 zvayo naizvozvo ndaitoziva kuti ndakanga ndisina imwe alternative kunze kwekuroorwa .Vabereki vangu vainge vashaika ndingori grade 4 naichochi chirwere cheshuramatongo sezvo makore apfuura chakanga chisati chawanirwa mishonga yekubatsira batsira vanhu kuti vakwanise kuwedzera mazuva avo okurarama .Naizvozvo pavakashaika ndakazosara ndichirerwa naambuya kudzamara vazoshaikao nekutokurao zvavo mushure mokunge ndavekudakutanga form 1.Uku ndiko kwakava kuguma kwehupenyu hwangu .Ndakazotorwa nevamwe vatete vangu ndavakunoshanda pane imwe imba yavo mu Yeovil kwamutare .Tete vangu vakanga vaine mwanakomana wavo aidzidza pachikoro che Mutare teachers college achidzidzira basa rehudzidzisi .Mwana uyu ainzi Bruno .Bruno aipota zvake achiuya pamba apa mumaweekends sezvo aiva padhuze nechikoro .Bruno aiva neshamwari dzake dzakasiyana siyana dzaaipota achiuya nadzo pamba pavo apa .Pakati peshamwari dzake nhatu idzi ndainyatsoona kuti paiva nemumwe wavo akanga akanaka arimutema aine bvudzi rakacurleka kunge mucoloured ,pose paaiuya mukomana uyu ndainzwa hana yangu kurova .Days passed ndichishaya kuti chiitiko ichi chairevei .rimwe zuva ndakarra zvangu pasofa ndichiona tv ndakanzwa knock padoor ndikanovhura wanei ndiye zvake Ritchie ,shamwari yemwana watete vangu .Ndakashamisika kuona ari ega and asina kana book or anything ,ndakamupinza mumba ndikamupa pekugara apa ndakungonyara nyara.”Ndokupai drink here or ndokubikirai sadza”? ,l asked Ritchie ,”Drink ririryt”,akapindura Ritchie .Ndakamudirira drink nemascones andainge ndabaker kuseni kwacho akapedza kudya tikatandara zvedu tichiona tv .Tym dzafamba Ritchie akazondikumbira fon number dzangu ndikamupa akaoneka zvake akudzokera kuchikoro kwavo .Manheru acho ndatorara ndakanzwa fon kurira ndichitarisa kudai wanei message yapinda from Ritchi ,”hie beautiful ,can’t take you off my mind since the day l saw you,,, hana yangu yakamborova but semunhu ange arara asina airtym l just sent him a please call kuti azive kuti handina airtym ,haana kufona ndikabvao ndarara .Ndchimuka ndakaona mufoni mangu makatumirwa two majuice cards from Ritchie ,nechemumoyo ndakangoti ndivoka vanonzi varume ava ,ndainge ndambozviitirwa nani futi mumwe so ndakabva ndatenga matexts angu tikatanga kutaura ,thats how l fell in Ritchie ‘s hands dzamara ndimutizire tikazoita mwana wedu tikamupa zita rekuti Ritchie Junior.Kumba kwana Ritchie vabereki vake vainge vakarongeka zvakanyanyisa naizvozvo pavakangonzwa kiti ndainge ndatizira ,vakamhanya mhanya nepose pavaigona napo vakasanganisa mari vose naiyeo Ritchie kuenda kunoroora kumba kwedu .Vana baba mudiki nanatete vangu vakarwadziwa nekucharger zvavo mari ikabviswa ,ungamboziva here kuti ndiyo nherera yavaisachengeta yavakazocharger kudai ,zvaingova zvehutsinye chete sezvo ndaisava mwana wavo ko chavaizodao pandiri ini Precious chii kunze kwekundidyira mari zvakadai.Mari vakapiwa vakaswera vachipembera same day iroro takazosimuka zvedu nevemhuri yanaRitchie takudzokera kwedu .Tichisvika kumba kwana Ritchi hatina kuzonyanyoita madays tisati tadzokeraa ,takabva tananga zvedu kwedu kuNyanga kwakanga kwavakudzidzisa Ritchie .Ritchie ainge azowana basa pachikoro chainzi Mukaro high school,takazopiwao imba yedu ipapo kudzamara tiite mwana wedu tiripo.

Pages: 1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19

 
  • Published: 2 years ago on August 17, 2016
  • Approved By:
  • Last Modified: August 18, 2016 @ 6:36 am
  • Filed Under: Novels
  • Tagged With: , ,

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

  • August 2016
    M T W T F S S
        Sep »
    1234567
    891011121314
    15161718192021
    22232425262728
    293031  

You might also like...

secret agent

Secret Agent

Read More →
Copy Protected by Chetan's WP-Copyprotect.