Loading...
You are here:  Home  >  Novels  >  Current Article

WHERE IS NATASHA

By   /  August 4, 2016  /  2 Comments

 

WHERE IS NATASHA story by Shadreck Elias (0773945161) Part 1. Ndakati ndichibva kuchimbuzi kutarisa pandaive ndasiya Natasha wanike hapana .ndakatanga kufamba zvangu ndichiyenda kwairidzwa mimhanzi na Tocky vibes pedyo nestage zvangu sezvo viceroy yandainge ndamborova yakanga yava kunditora ,mumoyo mangu ndakafunga kuti ndichawana Natasha ari muchaunga chevanhu vairova maclarcks asi hazvina kuitika saizvozvo. ndakayedza kufona cell phone yake asi haina kupinda , ndakatenderera kuseri kwecity sports centre pataive ndichida kutsvaga munin’ina wake chiyedza asi pandakamuona akabva atotanga nekundibvunzawo kwaiva na sisi vake . Panguva iyi mumoyo mangu ndakangoti Natasha pamwe ayendawo kutoilet asi Hana yangu yakatanga kurova ndichiri pakati pekufunga izvi mumoyo mangu makapinda imwe pfungwa yekuti regai ndifonere Baba namai vake ndivaudze zvakanga zvichiitika pandakatora cellphone yangu ndipo pandakaona kuti nguva dzaive dzatova 12:05am zvichireva kuti vabereki vaNatasha vakanga vatouya kuzotitora sezvo vakanga vativimbisa kuti na 12 dzemangwanani vaizosvika kuuya kuzotitora ku band kwatocky vibes kwataive tayenda Ndakatanga kufamba ndichiyenda panze pataive tambosiiwa kuma 8 nevabereki vanatasha asi doro rakanga rawanda mumusoro mangu .ndakatanga kutatarika ndichiyenda panze paya ndokusvika kuwana vamwe Vese vatova pamota kusara kwangu na Natasha chete . Mai Natasha vanobvunza kuti Ko Natasha aripi ini ndokutaura kusamuona kwandainge ndaita mushure mekunge ndayenda muchimbuzi mumoyo mangu ndakatanga kuomerwa zvakadzama Natasha aiva musikana akanaka pachiso Zvekuti murume wese aiyemura Musikana uyu pachimiro chake kutaura chokwadi mwana uyu aive akazvarwa hake .murume wese kunyangwe akaunyana kumeso aitoti acheuke chete kana asangana netsvarakadenga iyi . Mumhuri yekwa Chidavayenzi maive makabudirira kwazvo Baba namai chidavayenzi vaiva ne company yavo yainzi chidavayenzi Holdings company iyi yaiva yabudirira zvakanyanya sezvo yaiita zve Foward ,shipping services kunyika dzese dzepasi rino . Vachidavayenzi mushure mekuroora tsitsi aimbova group chief accountant wepa expeditors Zimbabwe vakazoropafadzwa nevana vavo vatatu mukuru Natasha wepiri Chiyedza uye rugotwe rwavo Tinashe uyo akanga ava nemakore 4 ekuberekwa Mhuri iyi yaiva nemufaro wakakura asi pane zvimwe zvinhu zvaiitika mumusha uyu zvaisabudirwana pachena . Musi uyu raiva birthday ra Natasha takadedzwa zvedu kumba kwavo vanhu vachifara nekunwa pavanhu vaiva pa party apa paisanganisira shamwari dzavachidavayenzi dzekubasa uye mai na Baba vangu vaMatope Baba vangu yaiva hanzvadzi yamai chidavayenzi ndivo vaiva mukomana mukuru mumhuri mavo uye vari director we expeditors Zimbabwe company yaiitawo zve shipping ndiko kwakaonerana mai na baba chidavayenzi vauya kuma business serminors . Vachidavayenzi Havana kuzofarira hanzvadzi yemukadzi wavo sezvo yaiva competitor wavo mubuisness ravaiva kunyanya amai vangu vaiva finance director pa expeditors apa vaitoita zvekuda kuonekwa chaiko Ini nehanzvadzi yangu Tanaka taiva tiripowo pa party apa nevabereki vangu musiuyu ndaifara zvakanyanya nekuti Natasha ndaimuda kuti ave Musikana wangu Zvekuti aiva muzukuru ndakati ndozozviona muchikamu chaizotevera Vanhu vaneta zvavo nemafaro ndipo pakauya Natasha kuvabereki vake achikumbira kuti tese neshamwari dzake tiyende kuband ratocky iro raiitirwa ku city sports centre Vabereki vaNatasha vakamboramba asi ndokuzobvuma mushure mekunge vati inini ndaizovatarisira tsvarakadenga yavo pese paaiyenda ndisasiyane naye pamusoro pazvo ndivo vakatiperekadza uye ndivo vaifanira kuuya kuzotitora na 12 am Ini ndakati zvangu nechomumoyo zvangu zvaita ndochiwanawo mukana wekutaura zvaive mumoyo mangu netsvarakadenga iyi. Vabereki vaNatasha vaona kuti mwana arikushaikwa vakabva vafonera mapurisa avo vakabva vangosvika nekukasika Havana kumirira 48hrs dzinoripotwa kana mashaya munhu nekuti vachidavayenzi vaizivikana zvikuru munyika yese uye vaive vambo donetor iwo ma BMW vachipa mapurisa zvakaita kuti nyaya yavo ikurumidzirwe Vedog section vakauyawo .papera hour rese mapurisa achitarisa panzvimbo apa nemacamera ose ndipo pavanoona last camera ichiratidza kuti Natasha apedzisira kubuda akananga kuna rekai Tangwena achiita kunge aiyenda kune company yedairiboard Zimbabwe Mapurisa anotanga kufamba nembwa dzavo vachitsvaga pese pese apa dzanga dzatova 4 mangwanani Vava kusvika pagate redairiboard vanobva vanonga rokwe rakanaka ne cellphone zva Natasha zvakakandwa padurawall …….

Source: 0773945161

 
  • Published: 2 years ago on August 4, 2016
  • Approved By:
  • Last Modified: August 13, 2016 @ 2:38 pm
  • Filed Under: Novels

2 Comments

  1. Pepukai says:

    Your stories are so captivating and educative, is there any chance you may send me links to the stories on my email. Stories like Too busy to die , Where is Natasha and actually most if not all of them am a very keen reader.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

  • August 2016
    M T W T F S S
        Sep »
    1234567
    891011121314
    15161718192021
    22232425262728
    293031  

You might also like...

secret agent

Secret Agent

Read More →
Copy Protected by Chetan's WP-Copyprotect.